Psalms 62

Kumutungamiri wokuimba. Kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1Mweya wangu unozorora muna Mwari oga;
ruponeso rwangu runobva kwaari.
2Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu;
ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi.

3Muchasvika kupiko muchingorova munhu?
Ko, imi mose muchamukanda pasi here,
iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa?
4Vanofunga kwazvo zvokumuwisira
pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira;
vanofarira nhema.
Vanoropafadza nemiromo yavo,
Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera

5Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;
tariro yangu inobva kwaari.
6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;
ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.
7Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari;
ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.
8Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;
dururai mwoyo yenyu kwaari,
nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera

9Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo,
asi vanokudzwa inhema bedzi;
kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu;
vose pamwe chete vanongova mweya.
10Regai kuvimba noupambi
kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba;
kunyange pfuma yenyu ichiwanda,
regai kuisa mwoyo yenyu pairi.

11Chinhu chimwe chakataurwa naMwari,
zvinhu zviviri zvandakanzwa:
Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba,
12uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo.
Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe
maererano nezvaakaita.
Copyright information for SnaBDSC